Bhaibheri

VaRoma 8

Romans 8 · 39 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kunavari munaKristu Jesu vasingafambi nenyama asi nomweya.

2Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu.

3Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama;

4kuti zvakarebwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.

5Nokuti vari vomweya, vanofunga zvomweya.

6Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndibwo vupenyu norugare;

7nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoni vo;

8zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.

9Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake.

10Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.

11Zvino kana Mweya waiyeyo wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuvakafa, uchaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu.

12Naizvozvo, hama dzangu, hatinengava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama.

13Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchivuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama;

14nokuti vose vanotungamirirwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.

15Nokuti hamuna kupiwa mweya wovuranda kuti mutye zve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, baba.

16Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;

17zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwa vo pamwe chete naye.

18Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.

19Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.

20Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo.

21zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwe vo pavuranda bwokuvora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.

22Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.

23Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesu vo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.

24Nokuti takaponeswa netariro; nokuti ndiani unotarira chaanovona?

25Asi kana tichitarira chatisingavoni, tinochimirira nokutsungirira.

26Saizvozvo Mweya unobatirana vo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi;

27uyo unonzera moyo, ndiye unoziva kufunga kwoMweya, nokuti unonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.

28Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga.

29Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemera vo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;

30avo vaakatemera kare, ndivo vaakadana vo; vaakadana, ndivo vaakaruramisa vo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudza vo.

31Zvino tichatiyiko pa zvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa?

32Iye usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipa vo zvose pamwe chete naye?

33Ndianiko uchakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye unoruramisa;

34ndianiko uchavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye wakafa, zvikuru ndiye wakamutswa kuvakafa, uri kurudyi rwaMwari, unotinyengeterera vo.

35Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?

36Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nokuda kwenyu tinovurawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.

37Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida.

38Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana vupenyu, kana vatumwa, kana vanesimba, kana zvazvino, kana zvinovuya kana masimba.

39kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri munaKristu Jesu, Ishe wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.