Bhaibheri

Zvakazarurwa 10

Revelation 10 · 11 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.

2Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;

3akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.

4Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.

5Ipapo mutumwa uya wandakavona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, wakasimudzira ruvoko rwake rworudyi kudenga,

6akapika naiye uri mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo.

7Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.

8Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataura zve kwandiri, richiti: Enda utore bhuku yakazaruka iri muruvoko rwomutumwa, umire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.

9Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari: Ndipei bhuku duku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; ichavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako ichanaka sovuchi.

10Ipapo ndakatora bhuku duku muruvoko rwomutumwa, ndikaidya; ikanaka mumuromo mangu sovuchi; asi ndakati ndaidya, mudumbu mangu makavaviswa.

11Vakati kwandiri: Unofanira kuporofita zve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.