Bhaibheri

Zvakazarurwa 11

Revelation 11 · 19 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; mutumwa akati: Simuka, uyere tembere yaMwari, nearitari, navanonamata mairi.

2Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.

3Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.

4Ava ndiyo miorivhi miviri ne zvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.

5Kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, unofanira kuvurawa saizvozvo.

6Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vanesimba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.

7Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika dzika chicharwa navo, chichivakunda nokuvavuraya.

8Mitumbu yavo icharashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neIjipiti, pakaroverwa vo Ishe wavo pamuchinjikwa.

9Vanobva kuvanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, vachavona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu, vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro.

10Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.

11Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuvura, mweya wovupenyu, wakabva kunaMwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavavona.

12Ipapo vakanzwa inzwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavavona.

13Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vanezvuru zvinomwe vakavurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.

14Nhamo yechipiri yapfuvura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidzakusvika.

15Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru akavapo kudenga, achiti: Vushe bwenyika bwava bwaShe wedu, naKristu wake; uchabwubata nokusingaperi-peri.

16Ipapo Vakuru vanamakumi maviri navana vanogara pazvigaro zvavo zvovushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari.

17vachiti: Tinokuvongai imi, Ishe Mwari wamasimba ose, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokuti makatora simba renyu guru, mukabata vushe.

18Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, vuye kuti mupe varanda venyu mubairo, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; vuye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.

19Ipapo tembere yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikavonekwa mutembere yake; ipapo kwakavapo mheni, namanzwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.