Zvakazarurwa 9
Revelation 9 · 21 verses
1Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi,, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.
2Ikazarura gomba rakadzika-dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, sovutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.
3Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.
4Dzikavudzwa kuti dzirege kutadzira vuswa bwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasinechisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
5Hadzina kupiwa basa rokuvavuraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu.
6Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza.
7Pakuvonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga pane zvimwe zvakafanana nekorona dzakafanana nendarama, zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.
8Dzakanga dzinevhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameno adzo akanga akaita seeshumba.
9Dzakanga dzinezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa.
10Dzakanga dzinemiswe, yakaita seyezvinyavada, novumborera; pamiswe yadzo pakanga panesimba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
11Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechi Giriki zita rake ndi Aporioni.
12Nhamo imwe yapfuvura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.
13Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari,
14richiti kumutumwa wechitanhatu wakanga anehwamanda; Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi.
15Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vavuraye chetatu chavanhu.
16Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zvuru zvezvuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo.
17Saizvozvo vo ndakavona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vanezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesurferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, novutsi nesurferi.
18Chetatu chavanhu chakavurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto novutsi nesurferi, zvakabuda mumiromo yawo.
19Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuvadza nayo.
20Vamwe vanhu vasina kuvurawa namadambudziko awa, havana kutendevuka pamabasa amavoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuvona, kana kunzwa, kana kufamba;
21havana kutendevuka vo pakuvuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana pavupombwe bwavo, kana pakuba kwavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.