Bhaibheri

Zvakazarurwa 12

Revelation 12 · 17 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;

2iye wakanga anemimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.

3Ipapo kudenga kwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku inemisoro minomwe, nenyanga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomwe.

4Rumhinda rwayo rwakakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.

5Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kunaMwari, nokuchigaro chake chovushe.

6Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.

7Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo;

8vakasakunda, nenzvimbo yavo hainakuzowanikwa kudenga.

9Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.

10Ndikanzwa inzwi guru kudenga, richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, novushe bwaMwari wedu, novumambo bwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari we du masikati novusiku.

11ivo vakamukunda neropa reGwaiana, vuye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda vupenyu bwavo kusvikira parufu.

12Saka farai kudenga nemi munogara’ko. Munenhamo imi nyika navanogara panyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchinenguva duku.

13Shato yakati yavona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakazvara mwana womukomana.

14Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingavonekwi nenyoka.

15Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi kuti akukurwe norwizi.

16Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa neshato mumuromo mayo.

17Ikamira pajecha regungwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.