Lord, enthroned in heavenly splendor
1
TENZI unogara denga Ukamuka, Chine Mbiri Mubatsiri wedu wega. Uchamutsa vanhu vako. Areruya, Areruya, Jesu chingwa choupenyu.
2
Hationi mbiri yako Pano sapa Betrehema, Asi pano sezvo uko Unokudzwa ngengerosi. Areruya, Areruya, Ngatiimbe pamwe nadzo.
3
Nyenye, muteuro wako Wakapedzwa paM'chinjiko, Asi muteuro wako Unogara nguva dzese. Areruya, areruya, Kuti uchenure isu.
4
Mana yedu youpenyu, Dombo rakaroverwasu; Denga nesu, ngatikudze Iwe wakafira isu. Areruya, Areruya, Mwari, Mambo, Muponisi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.