Bhaibheri

Jesu Ari mupenyu

Anglican · Nziyo · 79

Jesus lives! Thy terrors now

1

Jesu Ari mupenyu Ndizvo kufa hatikutyi, Ngeizvi tinoziva Hatisungwi zvino ndiko. Areruya!

2

Jesu ari mupenyu Kare rufu rwaityisa, Asi tichanyaradzwa Pazambara roupenyu.

3

Jesu ari mupenyu Wakafira isu tese; Tikachenurwa ndiye, Tese ngatimutunhidze.

4

Jesu ari mupenyu Anodisa vanhu vake; Muupenyu norufu Ari petyo panaivo.

5

Jesu ari mupenyu Anotonga zviro zvese; Tingasvike kudenga Kumuona nokufara.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.