Bhaibheri

Akaropafadzwa Muranda WaMambo

Catholic · Nziyo · 9

R. Tonganai

Chorus

M: Akaropafadzwa muranda waMambo V: S Anomumirira Mambo anomumirira Mambo akaropafadzwa muranda anomumirira kusvika adzoka B Anomumirira Mambo muranda anomumirira Mambo akaropafadzwa anomumirira kusvika adzoka

1

Ane ropa rakanaka munhu anotya Mwari, anotarira zvikuru mirairo yake.

2

Vana vake vachava nesimba, rudzi rwakavarurama ruchakomborerwa.

3

Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, kururama kwake kunogara narini.

4

Akarurama anobudirwa nomwenje parima, iye ane ngoni netsitsi nokururama.

5

Ano mufaro munhu uyo anoita mutsa, acharuramiswa mhaka pakutongwa.

6

Akarurama haakanganikwi, acharamba achirangarirwa nokusingaperi.

7

Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa, moyo wake wakasimba uchavimba. waMwari.

8

Moyo wake wakasimbiswa, kusvikira aona kukundwa kwavavengi vake.

9

Zita rake richakwiridzirwa nokukudzwa, akaipa uchazviona afa neshungu achaparara.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.