Bhaibheri

Vanhu Vazhinji Vakachingura Mambo

Catholic · Nziyo · 1086

A. Nyika

Chorus

M Vanhu vazhinji... V: All Vakatakura masanzu emirara... M Vakachingura Mambo V: All Vachiti hosana ho-sa-na hosana

1

Nyika ndeyaMambo, nazvose zvirimo, nyika yose navageremo ndevaMambo

2

Ndiye wakaitenga pamusoro pamakungwa, nokuisimbisa pamusoro penzizi

3

Zarukai imi masasa epasichigare, kuti Mambo wokubwinya apinde

4

Ndianiko iye Mambo wokubwinya? Ndiye Mambo ane simba noumhare

5

Ndianiko iye Mambo wokubwinya, ndiye Mambo wehondo, Mambo wokubwinya

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.