T. Koza
Chorus
M: Vanhu vazhinji vakachingura Mambo Vakachingura Mambo V: S/A Vakachingura Mambo vachiti hosanna vakatakura masanzu emirara vachiti hosana hosanna B --- Chingura Mambo hosanna --- takura masanzu emirara hosanna hosanna
1
Nyika ndeyaMambo, nazvose zvirimo, nyika yose navageremo ndevaMambo
2
Ndiye wakaitenga pamusoro pamakungwa, nokuisimbisa pamusoro penzizi
3
Zarukai imi masasa epasichigare, kuti Mambo wokubwinya apinde
4
Ndianiko iye Mambo wokubwinya, ndiye Mambo ane simba noumhare
5
Ndianiko iye Mambo wokubwinya, ndiye Mambo wehondo, Mambo wokubwinya
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.