Bhaibheri

Yakakomborerwa Mimba YaMaria

Catholic · Nziyo · 1112

A. Shamu Maurunge

Chorus

M Yakakomborerwa V: All Mimba yaMaria M: Yakatakura V: All Mambo wedu Yesu

1

Vakaropafadzwa ivo vanonzwa shoko raMwari, vachiriterera nokurichengetaa

2

Ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munun'una wangu naamai vangu

3

Mwoyo wangu unokudza Mambo, mweya wangu wakafara namwari muponesi wangu

4

Akaratidza simba rake noruoko rwake, akaparadza vaizvikudza

5

Akabvisa madzimambo pazvigaro zvawo zvoushe, akaadukupisa

6

Vane nzara akavagutsa nezvakanaka, akadzosera vapfumi vasina

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.