Bhaibheri

Yesu Akataurira Vadzidzi Vake Achiti

Catholic · Nziyo · 1121

L. Kaseke

Chorus

M: S/A Yesu akataurira vadzidzi vake achiti Akataurira vadzidzi vake achiti V: S/A Ngwarai kuti murege kuita, ururami hwenyu pamberi pavanhu nokuda kuti muonekwe navo, kana mukadaro hamungawani mubayiro kuna Baba venyu, vari kude-enga. B Ngwarai kuti murege kuita, ururami hwenyu pamberi pavanhu, nokuda kuti, muonekwe navo, kana mukadaro hamungawani mubayiro-o, Baba venyu vari kude-enga.

Chorus

S/A Regai kuridza hwamanda pamberi penyu kana muchipa chokubatsira murombo, sezvinoita vanyengedzi mumasinagoge nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. B --- Kuridza hwamanda pamberi penyu kana muchipa chokubatsira murombo, vanyengedzi, vanyengedzi nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu.

1

Kana muchipa chokubatsira murombo ruoko rwenyu rworuboshwe ngarurege kuziva zvinoitwa norudyi.

2

Musaite savanyengedzi vanofarira kunamata vamire mumasinagoge.

3

Vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa kuti vaonekwe navanhu.

4

Kuti kutsanya kwako kuve kwakavanda Baba vako vari muchivande ndivo vachazokupai mubayiro.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.