J.L. Kaseke Chaleka
Chorus
M: S/A Yesu akati endai mundoparidzira zvisikwa zvose mashoko akanaka Mundoparidzira zvisikwa zvose mashoko akanaka V: S/A Endai pasi pose, mundoparidzira zvisikwa zvose, mashoko akanaka, munhu anenge atenda akaombekwa, achaponeswa asi uya asingatendi, achatongwa B/T --- Endai pasi pose, mundoparidzira-a --- zvisikwa zvose mashoko akanaka, atenda akaombekwa, achaponeswa asi uya asingatendi, achatongwa M: S/A Zvino zviratidzo zvichaonekwa pana vanotenda --- ndezvizvi x2
Chorus
S/A Vachabata nyoka namaoko, kunyangwe vakanwa chinhu chine chepfu, hachingambovakuvadzi kwete B/T Vachabata nyoka namaoko, kunyangwe vakanwa chinhu --- chine chepfu, hachingambovakuvadzi kwete
1
Vachadzinga mashavi nezita rangu
2
Vachataura nendimi itsva
3
Vachaisa maoko, pamusoro pavanorwara, vanorwara vachibva vapora
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.