Bhaibheri

Yesu Akati Kuna vadzidzi Vake

Catholic · Nziyo · 1126

S. Chakanya

Chorus

M Yesu akati kuna vadzidzi vake Kuna vadzidzi vake V: S/A Kana munhu achida kunditevera ngaazvirambe atakure muchinjiko wake anditevere B --- Uyo anoda kunditevera ngaazvirambe atakure --- wake anditevere

1

Nokuti munhu anoda kuchengeta hupenyu hwake achahurasa

2

Asi munhu anorasa hupenyu hwake pamusana pangu achahuwana

3

Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake mumbiri yaBaba vake

4

Ipapo munhu mumwe nomumwe achazopiwa mubairo wamabasa ake

Chorus

S/A Zvinobatsireiko kuti munhu awane zvinhu zvose zviri pasi panoho achirasikirwa noupenyu hwake zvinobatsirei B Zvinobatsireiko zvinobatsireiko zvinhu zvose --- pasi panoho asi rasikirwa noupenyu hwake zvinobatsirei

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.