Bhaibheri

Yesu Anosvinudza Meso ABatimeo

Catholic · Nziyo · 1133

B. Muzadzi

Chorus

Part A: M: S/A Yesu anosvinudza meso aBatimeo paJeriko V: S/A Zvino Yesu navadzidzi vake nechita chikuru chavanhu, vakasvika muguta reJeriko, kuzoti vava kubudamo, Batimeo mwana waTimeo, akanga ari bofu ari rombe akanga agere panzira. B --- Yesu navadzidzi vake nechita chikuru, vakasvika muguta reJeriko, vava kubudamo Batimeo, mwana waTimeo, akanga ari rombe, akanga agere panzira.

1

Paakanzwa kuti ndiYesu weNazareta, akatanga kudaidzira achiti

2

Vanhu vazhinji vaitevera Yesu, vakamuraira kuti anyarare asi iye ndokuramba, achidaidzira kwazvo achiti

3

Usatya haoko simuka ari kukudaidza

Chorus

S/A Yesu mwana – waDaviti, ndinzwireiwo tsitsi Mwana waDaviti, ndinzwireiwo tsitsi B/T --- Mwana waDaviti Yesu, ndinzwireiwo tsitsi Part B: S/A Akasimuka ndokuenda kwaiva naYesu, Yesu ndokuti kwaari All Unoda kuti ndikuitirei: All Changamire kuti ndione, itaiwo kuti ndione, changamire itaiwo kuti ndione x2 Part C: M: S/A 1.Munesu Tenzi munesu 2.Tenzi munesu V: S/A Munesu Tenzi munesu itai kuti tione munesu-u Tenzi itai kuti tione B/T Tenzi munesu itai kuti tione munesu Tenzi munesu itai kuti tione a) Nokutenda kwake Batimeo akabva aona pakarepo akatevera Yesu – Tenzi munesu b) Tenzi munesu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.