Bhaibheri

Yesu Anoti Zvirerekei

Catholic · Nziyo · 1135

C. Manyepa

Chorus

M: Yesu anoti zvirerekei V: S/A Kana muchinge makokwa kumabiko omuchato regai kunogara pazvigaro zvepamberi --- mungadaro mukasudurutswa mukagadzwa pasi asi kana muchinge makokwa --- endai munogara pazvigaro zveshure B Kana muchinge makokwa kumabiko omuchato regai --- pazvigaro zvepamberi mungadaro mukasudurutswa mukagadzwa pasi --- kana muchinge makokwa endai munogara zvigaro zveshure

1

Nokuti munhu anozvikudza achaderedzwa uye anozvideredza achakudzwa

2

Rega kundokoka shamwari dzako chete kana hama dzako dzakapfuma kuti vazokukokawo

3

Asi kokera varombo zvirema vanokamhina nemapofu uchakomborerwa

4

Uchakomborerwa nokuti havagoni kuzodzorera – unozodzorerwa pakumuka kwavakarurama

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.