Br Mufaro C. Sibanda
Chorus
M: Zvino kuti ini ndirege kuzvitutumadza V: S/A Ndakabaiwa munzwa unorwadza kwazvo pamuviri wangu, kuti ndirege kuzvikudza nokuzvitutumadza nokuda kewezvinhu zvandakaona munzwa uyu unoita senhumwa yasatani inondirova kuti ndirege kuzvikudza. B Ndakabawa munzwa unorwadza kwazvo pamuviri wangu, kuti ndirege kuzvikudza nokuzvitutumadza nokuda kewezvinhu zvandakaona zvinoshamisa munzwa uyu --- senhumwa yasatani inondirova kuti ndirege kuzvikudza.
1
Kwenguva nhatu ndakanamata kuna Tenzi kuti munzwa uya ubviswe, asi iye akandipindura achiti:
2
Saka ndinofara zvikuru ndichifarira utera hwangu, kuti ndidzivirirwe nesimba raKristo
3
Nokuti muutera hwangu ndimo mune simba rangu
Chorus
S/A Nyasha dzangu kwauri dzakawanda, simba rangu iguru kwazvo ---pano munhu anoutera. B Nyasha dzangu kwauri dzakawanda nokuti simba, simba rangu iguru kwazvo --- pano munhu pano munhu anoutera.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.