Bhaibheri

Imi Makaravira Tsistsi DzaTenzi

Catholic · Nziyo · 137

Rev.T.W. Papani

Chorus

M: Imi makaravira tsitsi dzaTenzi V: All Zvino chiuyai chiuyai kuna Tenzi ibwe rakanaka rakaraswa navavaki vachiti harina basa. Rakazosarudzwa naMwari seibwe rinokosha kwazvo.

1

Ini ndakasarudza ibwe rakanaka randichaita mbiru yeZioni.

2

Saka ani nani anotenda kwaari haazombonyadziswi.

3

Iye akakudanai kubva murima guru kuti muuye kuchiyedza.

4

Makange musiri vanhu vaMwari asi mava vanhu vake.

5

Kare makanga musingazivi tsitsi dzake asi zvino makagamuchira tsitsi dzake.

Chorus

S/A Uyai samabwe akanaka, mabwe akanaka mushandiswe pakuvaka imba yaMwari-i mamuchazoshanda savashumiri vanoera vanopira zvibairo kuna Mwari B Uyai samabwe, mabwe akanaka, mabwe akanaka mushandiswe pakuvaka imba yaMwari-i mamuchazoshanda savashumiri vanoera vanopira zvibairo kuna Mwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.