Bhaibheri

Ipai Rutendo

Catholic · Nziyo · 162

Sr Martha Chrysostoma Muza (LCBL)

Chorus

M: Ipai rutendo V: S/A Kuna Mambo wakanaka-a, mwoyochena wake hauperi B/T --- Ipai rutendo kuna Mambo wakanaka-a hauperi

1

Ipai rutendo kuna Mambo woga, rutendo kuna Mambo wamadzimambo

2

Ndiye woga anoita manenji makuru, ndiye wakasika denga noungwaru

3

Ndiye wakasika nyika nemvura, ndiye wakakunda masimba asatani

4

Akasunungura vanhu vake kuzvivi, wakaita izvi nesimba rake oga

5

Ndiye wakatipa mvura yebhapatisimo, munova ndimo munoponeswa vatenderi

6

Wakabatsira vanhu vake munhamo, akavarwira kuvavengi vavo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.