Bhaibheri

Ipai Rutendo Kuna Mambo Wakanaka

Catholic · Nziyo · 163

P. Masamba

Chorus

M: S Ipai rutendo kuna Mambo wakanaka V: S/A Ipai rutendo kuna Mambo oga, ipai ru-tendo kuna Mambo wamadzimamboo mwoyochena wake hauperi B --- Mambo ipai rutendooo, rutendo, wamadzimambo rutendo, mwoyochena wake hauperi

1

Ndiye wakatipa mvura yebhapatisimo, munova ndimo munoponeswa vatenderi, munova ndimo munonyudzwa uipi

2

Wakabatsira vanhu vake munhamo, akavarwira kuvavengi vavo, ndokuvapa nyika yaakavapikira

3

Wakatiyeuka muurombo hwedu hwose, anogutisa vanhu neemhuka, ipai rutendo kuna Mambo wedenga

Chorus

S/A Wakaita izvi nesimba rake oga, wakaita izvi nesimba rake oga, wakaita izvi nesimba rake oga (x2) B --- Izvi nesimba-a rake oga, izvi nesimbaa rake oga, wakaita izvi --- rake oga (x2)

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.