Bhaibheri

Mambo Tauya

Catholic · Nziyo · 348

A. Chamunorwa

Chorus

M: Mambo tauya Tauya Mambo V: B Tauya nezvipo – mubati wapasi pose-he, Mambo tauya nezvipo-o S/A --- Kuzopfugamira Mambo-o, tauya nezvipo zvomupiro Mambo Alleluya T --- Ngaakudzwe iye – ngaakudzwe Mambo Alleluya

1

Uyai munzwe imi mose ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.

2

Wakashandura gungwa rikava nyika yakaoma vakayambuka rwizi netsoka.

3

Anobata umambo nokusingaperi nesimba rake meso ake anocherekedza ndudzi.

4

Rumbidzai Mwari imi vanhu inzwi rokumurumbidza ngarinzwike.

5

Iye anopa mweya yedu rupenyu asingatenderi kuti tsoka dzedu dzitedzemuke

6

Ndakachema kwaari nomuromo wangu ndakamurumbidza zvikuru norurimi rwangu.

7

Inzwi rake akava munhu ndokugara nesu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.