Bhaibheri

Muponesi Mambo Mwari Wedu

Catholic · Nziyo · 482

A.I. Lunga-Nyathi

Chorus

M: S/A Muponesi Mambo Mwari wedu V: S/A Nezuva rokuponiwa kwenyu makavanza huMwari hwenyu muchioneso chomunhu mukava sesu – mutizadze nomufaro wavafudzi navachenjeri zvavakakuonai nokuziva kuti ndimi ruponeso – ruponeso rwavanhu. B Nezuva rokuponiwa kwenyu makavanza huMwari hwenyu muchioneso chomunhu mukava sesuu – mutizadze nomufaro uyo wavafudzi zvavakakuonai nokuziva kuti ndimi ruponeso ruponeso.

1

Nhasi munovanza huMwari hwenyu nohwumunhu hwenyu muchioneso chechingwa nehwaini.

2

Makava mwana wavanhu kuti tive vana vaMwari.

3

Mwari wedu nehama yedu tinokutendai chose nokuti makatipfumisa.

Chorus

All Mutizadze nomufaro wavafudzi navachenjeri zvavakakuonai nokuziva kuti ndimi ruponeso – ruponeso rwavanhu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.