I. Maputsa Nezungai
Chorus
M: Akakomborerwa naMambo V: S Akakomborerwa naMambo akaregererwa matadzo ake akaregererwa mhosva dzake dzose dzose naMambo. B --- Komborerwa naMambo akaregererwa matadzo ake mhosva dzake dzose dzose naMambo.
1
Akakomborerwa munhu asinganzi akaipa naMambo
2
Iye asinokunyengera paMweya wake
3
Nenguva yandakaramba ndinyerere mapfupa angu akarukutika
4
Mwoyo wangu wakachema nguva dzose.
5
Nokuti ruwoko rwenyu Mambo rwakanga ruchidzvinya.
6
Pamusoro pangu siku nesikati.
7
Asi zvino ndareurura matadzo angu handina kuvanza mhosva dzangu.
8
Ndimi ruvando rwangu Mambo munondichengeta kuti ndirege kuwira munhamo.
Chorus
All Saka vose --- vakarurama ngavarambire kwamuri Mambo panguva yokutambudzika kwavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.