Bhaibheri

Mwari Wangu NaMambo Wangu

Catholic · Nziyo · 642

Sr. Victoria Sanyika (LCBL)

Chorus

M: S/A Mwari wangu naMambo wangu V: S/A Ndipeiwo mwoyo mukuru, mwoyo mukuru, Mwari wangu ndipeiwo mwoyo, mwoyo mukuruuu. B Ndipeiwo mwoyo mukuruu mukuruu, Mwari ndipeiwo mwoyo mukuruu. Part 1

1

Ndipeiwo maziso erudo nechitendero chokukuzivai. Nyangwe mumhutee nerima rinodzikatira chitendero changu

2

Mwari wangu ndiyeukei pandinoomerwa nerupenyu panguva yangu yerima pandinosurukirwa.

3

Mutsai mwoyo wangu une chinono kuti ndirangarire rudo rwenyu runondichengeta uye tsitsi dzenyu dzisina mugumo.

4

Negirasiya renyu ndichaedza kuti ndive ndakasiyana nezvandakanga ndiri nyangwe zvakaoma sei zvazvo.

5

Naizvozvo Mambo wangu ndibvisei hunhu husina maturo. Mundiite ane mwoyo mukuru chaiwo. Part 2

Chorus

All Ndibatsirei ndikuonei muvanhu vose varombo, vanhu nhando zvavo, vanosvoteswa navaya vakadzvinyirirwa.

6

Itai kuti munhu wose andinosangana naye ave nani pamusana pokundiziva afare nokuti apfuura napakanzira kangu.

7

Ndibatsirei pandinenge ndaneta uye kana ndagumburwa ndizviudze nechemumwoyo kuti 'Inga ndiMambo wani'.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.