F.T. Chimukupete
Chorus
M: S/A Mwari wangu ndinofara kwazvo V: S/A Ndinofara kwazvo nokuti muri kwose (x3)... Muri kwose --- kwose kwandinenge ndiri B/T Mwari wangu --- kwandinenge ndiri --- Mwari wangu muri kwose --- ndi nofara kwazvo --- muri kwose --- kwose kwandinenge ndiri.
1
Kupi nokupi kwandinenge ndiri imi Mwari wangu munenge muineni.
2
Munenge muchindiona muchindichengeta.
3
Munogara neni kuti mundibatsire.
4
Munogara parutivi pangu kuti mupote muchindidzivirira nhamo navasemi vangu.
5
Munogara mandiri kuti murambe makandibata ndirege kuwira pasi.
6
Munhu anokutsvagai nomoyo wake wose anokuwanai kwose kwaanoenda.
7
Hapana anogona kuzvipiradzanisa nemi nokuti iye pachake akabatwa noruoko rwenyu.
8
Zvino Mwari wangu ndipeiwo mwoyo unokudai, unofarira mbiri yenyu yokudenga.
Chorus
S/A --- Nokuti Mwari wangu --- muri kwose --- kwose kwandinenge ndiri. B/T Ndinofara kwazvo --- muri kwose --- kwose kwandinenge ndiri.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.