Bhaibheri

Ndini Tenzi Handisanduki

Catholic · Nziyo · 724

V. Kudumba

Chorus

M: S/A Ndini Tenzi, handisanduki V: S/A Ndinoti: Tendeukirai kwandiri ndigotedeukirawo kwamuri, uyai nechegu mi chenyu chakakwana kuimba yaMwari kuitira kuti kuve nozvokudya zvakawanda. B --- Tendeukirai kwandiri ndigotedeukirawo kwamuri, uyai nechegumi chenyu chakakwana kuimba yaMwari kuitira kuti kuve nozvokudya zvakawanda.

1

Bvunzai kuti toiteiko kuti titendeukire kwamuri.

2

Chitendeukirai kwandiri ndigotendeukirwao kwamuri.

3

Hazvina kunaka kwete kuti munhu anyengedze Mwari.

4

Imi munondinyengedza pakupa chegumi chenyu nemipiro yenyu.

5

Handichazobvumidzi mhashu kuparadza mbesa dzenyu.

6

Nyika yenyu ichazova nyika yakanaka kugaramo.

Chorus

S/A Ndiedzei – ndiedzei – kuti ndichazarura misuwo yedenga ndichidurura pamuri mhando dzose dzezvinhu zvizhinji zvakanaka. B --- Ndiedzei --- munozoona kuti ndichazarura misuwo yedenga – ndichi durura pamuri mhando dzose dzezvinhu zvizhinji zvakanaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.