D.T. Zavazava
Chorus
M: Akaropafadzwa V: S Muranda waMambo --- iye kusvika adzoka B Muranda waMambo anomumirira --- kusvika adzoka
1
Ane ropa rakanaka --- munhu anotya Mwari
2
Anotarira --- zvikuru mirayiro yake
3
Vana vake ---- vachava nesimba
4
Rudzi rwavakarurama --- ruchakomborerwa
5
Fuma nezvakawanda --- zviri mumba make
6
Kururama kwake --- kunogara narini
7
Akarurama anobudirwa --- nomwenje parima
8
Ano mufaro munhu --- uyo anoita mutsa
9
Akarurama --- haakanganikwi
10
Acharamba achirangarirwa --- nokusingaperi
11
Haangatyi mashoko --- ezvinhu zvakaipa
12
Mwoyo wake wakasimba --- uchavimba naMwari
13
Mwoyo wake --- wakasimbiswa
14
Kusvikira aona kukundwa --- kwavavengi vake
15
Zita rake richakwiridzirwa --- nokukudzwa
16
Akaipa uchazviona --- afa neshungu achaparara
Chorus
All Akaropafadzwa --- muranda wa-Mambo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.