D.T. Zavazava
Chorus
M: Pana mweya waMambo V: All Ndipo pano rusununguko
1
Akakomborerwa munhu wakaregererwa matadzo ake
2
Wakaregererwa mhosva dzake dzose
3
Akakomborerwa munhu asingavengerwi zvakaipa naMambo
4
Asino kunyengerwa pamweya wake
5
Nokuti ruoko rwenyu rwakanga rwakanditsimbirira
6
Ndikarwadziwa sendabayiwa nomunzwa
7
Asi zvino ndareurura matadzo angu
8
Handina kuvanza mhosva dzangu
9
Ndakati ndinoda kureurura zvivi zvangu
10
Ndoreurura matadzo angu kunemi Mambo
11
Nemi Mambo mandiregerera
12
Mandiregerera mhosva dzangu dzokutadza kwangu
13
Saka vose vakarurama ngavarambire kwamuri
14
Panguva yokutambudzika kwavo
15
Ndimi ninga yangu Mambo
16
Munondichengeta ndirege kuwira munhamo
17
Njodzi dzowakaipa dzakawanda
18
Anovimba naMwari ndiye anokomborerwa negomborero
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.