A. Chamunorwa
Chorus
M: Haiwa Mambo mabasa enyu V: S Haiwa – haiwa Mambo, mabasa enyu anoshamisa – haiwa haiwa Mambo mabasa enyu anoshamisa kwazvo A Haiwa Mambo, mabasa enyu anoshamisa Mambo mabasa enyu anoshamisa kwazvo B Mabasa enyu anoshamisa Mambo Mambo anoshamisa Mambo – haaiwa mabasa enyu anoshamisa kwazvo
1
Mabasa enyu mazhinji, makaita ose nenjere.
2
Zvipenyu zvose zvinokumirirai, kuti muzvipe zvokudya nenguva yakafanira.
3
Munotambanudza ruoko rwenyu vanhu vose vachagutswa.
4
Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi Mambo ngaafarire mabasa ake.
5
Iye anotarisa pasi ipo ndokubvunda.
6
Iye anonyongodesa makomo, iwo ndokubudisa utsi.
7
Ndichaimbira Mwari panguva yose yorupenyu rwangu, ndichaimbirai Mwari wangu ndichiripo.
8
Vatadzi ngavapere pasi, navakaipa ngavarege kuzovapo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.