S.M. Ponde
Chorus
M: Haiwa Mambo V: All Mabasa enyu anoshamisa M: Haiwa Mambo V: All Mambo anoshamisa kwazvo
1
Mabasa enyu mazhinji makaaita ose nenjere
2
Zvipenyu zvose zvinokumirirai kuti muzvipe zvokudya nenguva yakafanira
3
Munotambanudza ruoko rwenyu vanhu vose vachagutswa
4
Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi Mambo ngaafarire mabasa ake
5
Iye anotarisa pasi ipo ndokubvunda
6
Iye anonyongodesa makomo iwo ndokubudisa utsi
7
Ndichaimbira Mwari panguva yose yorupenyu rwangu ndichaimbira Mwari wangu ndichiripo
8
Vatadzi ngavapere pasi navakaipa ngavarege kuzovapo
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.