G. Machingauta
Chorus
M: S/A Tenzi anoti uyai mutore ruponeso V: S/A Imi mose mune nyota uyai mutore ruponeso kwandiri Tenzi kumvura zhinji – Uyai mutore hwaini nomukaka-a musina mari-i mose mune nyota. B --- Mose mutore ruoneso kwandiri – Tenzi kumvura-a zhinji – mutore hwaini, mukaka musina mari mose mune nyota.
1
Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri – mweya yenyu igorarama.
2
Denga rakakwirira kupfu-ura-a nyika nenzira dzangu dzakwirira kupfuura-a nzira dzenyu.
3
Nditeererei imi mudye zvakanaka kuti mweya yenyu ifare nezvakakora.
4
Nokuti ndangariro dzangu hadzisi dzenyu-u nenzira dzenyu hadzisi dzangu.
5
Mvura nechando zvinoburuka zvichibva kudenga zvinodiridza nyika kupa mudyi zvokudya.
6
Imi muchabuda nomufaro noruga-are makomo nezvikomo zvicha-imba nomufaro-o pamberi penyu.
Chorus
S/A Tsvagai Tenzi imi – achawanikwa --- danai kwa-ari achiri-i pedyo wakaipa ngaasiye nzira nendangariro yake adzokere kuna Tenzi achamunzwirawo nyasha. B Tsvagai Tenzi imi – achawanikwa – danai kwaari achiri pedyo ngaasiye nzira – ndangariro yake – adzokere kuna Tenzi achamunzwirawo nyasha.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.