Bhaibheri

Hake Uyo Akatsungarara

Catholic · Nziyo · 94

A.R. Augusto

Chorus

M: S/A Hake uyo akatsungarara V: S/A Inga wani --- nezvokutsungarara makazvionera wakazomuitirei Nokuti Mambo anonzwira tsitsi anonzwira tsitsi nourombo B Makanzwa nezvo --- kwaYobo kuti Mambo pakugumisira nokuti Mambo anonzwira tsitsi anonzwira nourombo Part 1:

1

Nemiwo mirirai makatirira nokuti kuuya kwaMambo kwava pedyo-o-o, simbaradzai moyo yenyu.

2

Hama dzangu regai kunyunyutirana mungadai mukazotongeswa-aa, simbaradzai moyo yenyu.

3

Chionai mutongi atosvika ava pamusuwo-o-o, simbaradzai moyo yenyu.

4

Teverai muenzaniso wokutirira matambudziko-o-o, simbaradzai moyo yenyu.

Chorus

S/A Imi hama dzangu kudakara Mambo auye-e Murimi anotirira achimirira-a akangotarisira kuuya kwemvura yomunakamwe neyezhizha B Tirirai tarisai zvinoita anotirira achimirira zvinoberekwa neivhu zvakakosha, tarisira imi hama dzangu zvakakosha neyezhizha Part 2

5

Kupinda zvose vehama musatongopika musatongopika nedenga

6

Kana napasi kana neimwewo musatongopika mhiko hayo

Chorus

S/A Kana muchiti hongu kana muchiti kwete mungadaro mukazvipinza mumhosva B Ingotii hongu ingotii kwete mungadaro-o mumhosva

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.