N. Muchenu
Chorus
M: Hakuna zita ringatiponesa kunze kwezita dzvene raYesu V: S/A Tinorumbidza, nokukudza Ye-su Kristo, akava munhu, kuti atinunure, atiratidze tose, rudo rwamwari Baba. Akadeura ropa rake rakakosha, ova hwayana yedu yepasika, kutibatanidza tose, muukama naBaba, isu tichavawo hama nehama. Ndiye Yesu watinopira, mumupiro weAritari, kudzamara-a, kudzamara-a, kuguma kwapasi B Tinorumbi-dza, tinokudza Yesu --- akava munhu, kuti atinunure, atiratidze, rudo rwaMwari Baba. Akadeura ro-pa rake ova, hwa-ya-na yepasika, kutiba-tanidza, muukama naBaba, isu tichiva ru-dzi rumwe Ndiye Yesu, anesu, muUkaristia, kudzamara nari-ni, narini wose
1
Mambo Yesu, itai kuti isu mhuri yenyu tichiri parwendo, tidanane, tiregererane, tinzwirane tsitsi, tisimbisane, uye titakurirane mitoro
2
Yesu Mambo chengetai nokusimbisa vafudzi vamunotitumira pano, uye musarega tichirasa kana kutambisa makomborero amakapa kirike renyu dzvene
3
Rangariraiwo Mwari hama neshamwari dzedu dzakafa, dzichibva mumhuri yedu ino, vafare nemi. Tinotarisirawo kusvitswawo ikoko naYesu nyakutifira
Chorus
S/A Rudo-yi runopinda rwaYesu, akapira upenyu hwake kuti, vadikanwi vake, vave noupenyu, huzere? Ngatimukudze timunamate, timuimbi-re tichimutenda B Rudo-yi runopinda rwaYesu, a-kapira upenyu hwake kuti, vadikanwi --- vave noupenyu, ngatimukudze timunamate, timuimbi-re tichimutenda
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.