Bhaibheri

Kuzvipenengura Hana

Catholic · Minamato · 28

1

Ndakaramba kutenda muna Mwari here? Ndakaramba chitendero pameso avamwe here? Ndakatenda mumidzimu namashavi kuti zvine simba kupfuura Mwari here? Ndakateura midzimu here? Ndakatamba mashavi here? Ndakaenda kunobvunza vasvikirwa here? Ndakashonga mazango kana matumwa here? Ndakatendera kana kuita chinhu chechihedheni here? (miti yakashata, uroyi, zvinoshura). Ndakaedza here kuziva chitendero changu zviri nani?

2

Ndakaverenga here mabhuku kana zvimwe zvinyorwa zvinopikisana nechitendero uye tsika dzakanaka? Ndinochengeta zvinhu izvi here? Ndinozvigoverana navamwe here? Ndakaona here mifananidzo inopikisana nechitendero? Ndakasvora here chitendero changu kana kutsvinyira vapristi? Ndakarega kuvimba naMwari here? Ndakarasa mwoyo here muurombo, pakutambudzika nokurwa zvokuti ndakatsutsumwira Mwari?

3

Ndakarega here kuita maitiro ekutenda, chitarisiro nechido kwenguva ndefu? Ndakaita setswa nezvinhu zvinoera here?

4

Ndakapinda misangano nemhemberero dzinopikisana nechitendero changu here? Ndakada here kusiya chitendero changu?

5

Ndakatungamidza here zvinhu zvapasi, upfumi, mafaro, masimba, mukurumbira noruzivo sezvinhu zviri pamusoro paMwari?

6

Ndakapfugamira Satani here? Ndakakumbira kubatsirwa nadhiyabhori here? Ndakakumbira kumweya yavashakabvu here? Ndakatendera here kugarwa nomweya yavakafa?

7

Ndakadana nokupika nhando nezita raMwari here? Ndakashuvira Mwari zvakashata here? Ndakasvora Mwari here mukutaura? Ndakasevenzesa mazita avatsvene mukutuka nokunyomba here? Ndakashurikira Mwari here? Amai vedu? VaTsvene? Sangano? Masakaramende?

8

Ko, ndakapika nokusvora Mwari padare ndichinyengedza here? Ndakapika pamusoro pezvinhu zvakaipa here? Ndakakundikana here kuzadzisa zvitsidzo? Ndakataura here mashoko asingaremekedzi zvinhu zvinoera? Ndakapinda misa nomusi wesvondo namamwe mazuva makuru akatemwa nesangano here? Ndakanonoka kupinda misa nokuda here? Ndakagara here zvakanaka ndichiremekedza misa? Ndakabata basa guru nesvondo ndisina chimanikidzo here? Ndakamanikidza vamwe kubata basa pamazuva aya here?

9

Ndakaendesa mhuri yangu kumisa here? Ndakaswera

10

zuva rose ndichinamata pamwe nemhuri yangu here?

11

Ndakachengeta vabereki vangu kana vakuru vangu zvakanaka here? Ndakavarwadzisa here? Ndakambovashuvira zvakaipa here? Ndakaramba kuvateerera here? Ndakaseka kana kunyomba varombo, vakwegura kana vakaremara here? Ndakanyara pamusana pavabereki vangu here? Ndakaramba here kubatsira nokuriritira vabereki, vakwegura navarombo?

12

Ndinoda vabereki here? Ndinovaremekedza here? Ndinovaregerera here? Ndinovanamatira here?

13

Ndakaisa upenyu hwangu munjodzi here zvisina manikidzo? Ndakadyisa kana kunwisa here? Ndakararadza here? Ndakashandisa zvinodhaka here? Ndakazvidza vamwe here? Ndakaramba kubatsira vamwe here pamweya napanyama? Ndakakakavadzana navamwe here? Ndakachengeta here pfungwa kana chishuvo chokuda kutsiva? Ndakashatirwa kana kuva noruvengo here? Ndakavashuvira zvakaipa here? Ndakavashuvira rufu here? Ndakarera ruvengo here? Ndakataura zvakaipa here pamusoro pavamwe kuti ini ndikwidziridzwe ivo vachipinda munjodzi pamuviri napamweya nokuda kwamashoko nokuita kwangu?

14

Ndakafambisa motokari zvine ngozi here? Ndakarunzira mumwe kurutadzo here? Ndakataura mashoko anopinza mumwe munjodzi here? Ndakarova mumwe here? Ndakakuvadza mumwe here? Ndakauraya munhu here? Ndakatuma mumwe kuti andiurayire munhu here? Ndakakurudzira nokukonzera kubvisa pamuviri here? Ndakashungurudzwa here norudekaro rwavamwe? Ndakapa muenzaniso wakashata here?

15

Ndakamutsa unzenza pandiri here? Ndakapa muviri wangu ndakashama kuna vamwe here? Ndakaita zvinonyadzisa here? Ndakafunga kuita choupombwe here? Ndakachochora mukadzi kana murume womumwe here? Ndakafunga kana kutaura zvinonyadza here? Ndakapinda mitambo inonyadza here? Ndakarava mabhuku kana kutarira mabhaisikopa anozvidza utsvene nomuchato here? Ndakanamatira nyasha dzoutsvene here? Ndakaita umwe ukama kunze kwomusha here? Ndakatadza here kuremekedza wandichawanana naye? Ndakatadza here kuchengetedza utsvene hwevasati vawanana? Ndakakurudzira unzenza nokurambana here? Ndakaita choupombwe here?

16

Ndakaba here? Ndakabira vabereki vangu mari here? Ndakachiva chomumwe here? Ndakagamuchira here kana kutenga zvinhu zvabiwa ndichiziva? Ndakarambira here nezvandakawana ndisingatsvaki murudzi wazvo? Ndakaronga here zvokunoba noubhinya? Ndakasakisa njodzi here ndichiziva ndichida? Ndakaedza here kugadzirisa pandakatadza? Ndakareva here mutengo wapamusorosoro? Ndakanyengedza mukutengesa here? Ndakaita chimbadzo here? Ndakava neshanje nepfuma yavamwe here mukutenga nokutengeserana? Ndakakwirira vamwe dare here kuti zvindinakire nyangwe ndisingakodzeri? Ndakatambisa nguva yebasa here? Ndakarambira nezvinhu zvoumwe here?

17

Ndakareva nhema here? Ndakarevera mumwe nhema here? Ndakafarira kana kufambisa makuhwa here? Ndakasvibisa zita romumwe here? Ndakatsvakaga mumwe kuti andibatsire nokupupura zvisiri zvechokwadi here? Ndakapa mumwe munhu pfumba-muromo here? Ndakatambira mubairo wokunoita upupuri hwamanyepo here? Ndakareva munhu here?

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.