1
Pakureurura, zvipe pachako kumupristi wakazvininipisa uchitaura mazwi okuti:
2
"Baba ndiregerereiwo ndakatadza."
3
Ita mucherechedzo womuchinjikwa uchidura kuti wakapedzisira riinhi kuita rupinduko. Zvino chireurura matadzo ako. Taura mashoko okuti:
4
"Pamusana pamatadzo angu aya, zvikurusei ... (taura matadzo ako), ndinokumbira kwamuri baba kuti Mwari andiregererewo."
5
Zvino chinyatsoteerera mashoko okuregerera nechirango chaunopihwa nomupristi achiti:
6
"Mwari baba vetsitsi zhinji nomukufa nokumuka kweMwanakomana wavo, vakazviwadzanisa nenyika vakatitumira Mweya Mutsvene kuti matadzo aregererwe. Mwari nomubasa resangano ndiye akusunungura kumatadzo ako, chienda zvako murugare Muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen."
7
Mupristi anogonazve kuwedzera mashoko okuti:
8
"Daiwaro kutambudzika, kufa nokumuka kwaTenzi Jesu Kristu, reverero yaMaria Mhandara Tsvene pamwe naVaTsvene vose, mabasa ako akanaka nokutirira marwadzo, zvakuporesa kuzvitadzo zvako nokukubatsira kukura muutsvene kuti uzowana mubairo woupenyu husingaperi. Enda zvako murugare. Amen."
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.