1
Chiedza nditungamirirei zvinyoronyoro, Kunyangwe ndakakombwa nokusuwa, Nditungamirei ndiende mberi! Usiku irima rakatikwirindindi, Uye ndiri kure nokumusha, Nditungamirei ndiende mberi! Chengetedzai tsoka dzangu; Handikumbiri kuona zviri kurekure, Nhano imwechete yakandikwanira. -Cardinal Newman Novena kuna Mwari Baba
2
Mwari Baba vangu vokudenga, ndinokupfugamirai uye handisi chinhu pamberi poUkuru hwenyu. Imi moga ndimi Iye Chokwadi, Upenyu noUnaku. Kunyangwe zvazvo ndiri munhu nhando asingakodzeri, ini ndinokutunhidzai, ndinokurumbidzai, ndinokutendai, ndinokudai muri pamwe noMwanakomana wenyu Muponesi nomukoma wedu Jesu Kristu, nomumwoyo wake wetsitsi nomutsa uye nomukodzero yake isina mugumo.
3
Ndinodisa kwazvo kukuitirai, kukufadzai, kukuteererai nokukudai nguva dzose muri pamwe naMaria mhandara isine mhaka, Amai vaMwari naAmai vedu. Nokuda kwerudo rwangu kwamuri, ndinoda kuva norudo uye kuitirawo mumwe wangu.
4
Baba vokudenga, ndinokutendai nokuti makandiita mwana wenyu neruombeko. Zvino nechivimbo chomwana, ndinokumbirawo izvi ...
5
(Kumbira chaunoda)
6
Ndinokumbira kuti kuda kwenyu kuitwe. Ndipei zvamunoziva kuti zvakanakira mweya wangu uye mweya yavose vandinonamatira. Tumai Mweya Mutsvene wenyu kuti andivhenekere nokunditungamirira munzira dzomutemo wenyu noutsvene, ndivavarire mufaro wekudenga uko kwandinotarisira kuzokupai mbiri kwemisi isingaperi. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.