1
Baba vokudenga, makaita kuti usiku hwezuva rokuberekwa kweMuponesi hubwinye norunako rwaJesu Kristu chiedza chedu. Itai kuti mwenje wechechitendero uvhenekerewo mashoko namabasa angu.
2
Tenzi Mwari, ndinokutendai kuti makasika munhu, uye nomunaKristu, mukamudzorazve kwamuri. Mwanakomana wenyu akagoverana nesu utera hwedu, itaiwo kuti ndigoverane naye mumbiri yake. Itai kuti nditendeke kuShoko renyu ndigone kupawo upenyu kune vamwe. Iye akandiita mwana wenyu, daiwaro andigamuchira muumambo hwake.
3
Baba vokudenga, muchishamiso chokuva munhu kwaJesu Kristu, Shoko renyu rinogara nariinhi rakaita kuti chitendero chedu chione kupenya kwembiri yenyu. Nomaari tinokuonai imi Mwari wedu makada kuzviratidza.
4
Pazuva rokuberekwa kwaKristu, munozadza mwoyo yedu nomufaro tichiona nokuziva kuti Kristu chiratidzo chorudo rwenyu. Hapana ziso rinogona kuona mbiri yake saMwari wedu, asi zvino anoonekwa akafanana nesu.
5
Pazuva rokuberekwa kwaKristu, chiedza chitsva chakayedzera nyika; Mwari akava munhu, munhu akavazve pamwe naMwari. Napamusana porudo rwaJesu Mwari Mwanakomana wenyu, ndinokutetererai Baba kuti mundipewo upfumi hwenyasha mumwaka womufaro wokuberekwa kwaKristu. Ndinokumbirisa...
6
(kumbira chaunoda)
7
Mumbiri yokuberekwa kwaJesu, ndipeiwo zvandinokumbira kana kuri kuda kwenyu kutsvene. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.