Bhaibheri

Novena Kuna Jesu Mucheche Wokupuragi

Catholic · Minamato · 57

1

Mwana Jesu, ndimi diziro rangu nokuna amai venyu VaTsvene. Ndinokutetererai kuti mundibatsire pane zvandinokumbira nokuti ndinotendera zvizere kuti Umwari hwenyu hunogona kundibatsira. Ndinotarisira nechivimbo kuwana nyasha dzenyu. Ndinokudai nomwoyo wangu wose nomweya wangu wose. Ndiregerereiwo pane zvandakakutadzirai. Jesu makanakisa, ndinokumbira kuti mundipe simba rokukunda matadzo.

2

Ndinotsidza kusakutadzirai zvakare kana kuita zvose zvisingakufadzei. Ndinoda kukuitirai ndakatendeka. Pamusana porudo rwangu kwamuri Mwari Mwana Mucheche, ndinodawo mumwe wangu sokuda kwandinozviita.

3

Jesu, Mucheche ane simba kwazvo ndinokutetererai zvakare kuti mundibatsire neizvi...

4

(Kumbira chaunoda)

5

Mucheche Mwari muna masimba ose, ndinokutetererai nomureverero ine simba yaAmai Vatsvene venyu uye nomutsitsi dzenyu saMwari dzisingaperi, kuti mundipewo mhinduro yakandinakira kumunamato wangu muNovena iyi. Ndipeiwo nyasha dzokuva nemi kwemisi isingaperi pamwe naMaria naJosefa uye ndizokupfugamirai pamwe naVaTumwa naVaTsvene venyu. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.