Tiri vawadzani
Methodist Nziyo 229
1
Tiri vawadzani, tiri vawadzani, Mhuri yaJesu Mambo wedu! Dai tichidana, dai tichidana, Hakuna usvinu kudenga.
2
Tinoyamurana, tinoyamurana, Vatendi vaIshe mukuru; Tisatsaukane, tisatsaukane, Hakuna kudaro kudenga.
3
Tiri hondo imwe, tiri hondo imwe, Mbirimi dzaMambo mukuru; Ngatimurwirei nomwoyo mumwewo, Panzira inoenda kudenga.
4
Ikoko kudenga pakufara kwedu Tozovonga Mambo mukuru; Naiwo masimba anobva kuna She, Tinosvika nawo kwaari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.