Mwari ano rudo
Methodist Nziyo 230
1
Mwari ano rudo Toda nzira yenyu Yamatimisira Tichitererazve Tive mune zvenyu zvose, Tipererewo mamuri.
2
Matiunzirei Pano pamwe chete, Tava pamwe sei Kuti tionane, Tive amwe tinzwirane Takakanyana mamuri?
3
Matiita mumwe Kuti tive pamwe Tigofamba pamwe Tigoyamurana; Dakara nduramo dzenyu Dzionwe pamwe norudo.
4
Ngatinange tose Patinogumira Takangwaririra Tirwe kwenda mberi; Tisusukidzane tose Dakara tiwane ngundu.
5
Tidirei Mweya Kuti musi uyo, Tigozova nemi Kuti tisimutswe; Titakurwe tiendeswe Tisvitswe kuMununuri.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.