Bhaibheri

Ndinokukurumbidzai

Methodist Nziyo 294

1

Ndinokukurumbidzai, Mwari mukuru, mauro ano; Ndivhumbamirwe sehuku, Nawo mapapiro enyu,

2

Ndiregererei baba, Nenzira yaJesu Kristu, Zvose zvakaipa zvangu Zvandaita musi uno.

3

Ndidzidzisei Jehovha. Ndigere pano panyika, Ndisingatye kufa uku Kunouya mumwe musi.

4

Mweya wangu ngaugare Uve nemi pane rima, Ngandirinde zvakanaka Kuti ndimuke nesimba.

5

Kana ndashayiwa hope Ndipei pfungwa dzedenga; Zvibve kwandiri zviroto Zvakaipa zvousiku.

6

Ngandimire nguva dzose Ndakabata mwenje wangu, Ndifare kuona denga Kana rufu ruchisvika.

7

Mukurumbira kwamuri Unoratidzwa nemwenje, Nomwenje wakabatidzwa Ndimirire ushe hwenyu.

8

Mwari, mupi wezvitsvene, Ngaarumbidzwe nazvose; Rumbidzai vokudenga, Baba, Mwana, naye Mweya.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.