Bhaibheri

Tinoirima minda

Methodist Nziyo 301

1

Tinoirima minda. Tinodyara mbeu, Asi dzose dzinokudzwa Nesimba raMwari; Anozvituma zvose Zvokukudza mbeu, Mhepo pamwe nezuva, Mvura yakanaka.

Chorus

Zvose zvatinazvo Zvobva kuna Mwari; Ngativonge Ishe wedu Tivongere rudo.

2

Ndiye Musiki bedzi Wazvo zvose zvinhu, Anoshongedza nyika Namaruva ose. Mhepo yamuterera, Anodyisa shiri, Zvikuru nokwatiri Anotipa kudya.

3

Tinovongera zvose Zvinotinakira, Kudyara nokukohwa, Noupenyu hwedu. Torai zvatinopa Tichivonga kwazvo; Gam'chirai nengoni Mwoyo yedu tose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.