Uyai vanhu tiimbe
Methodist Nziyo 302
1
Uyai, vanhu, tiimbe Rwiyo rwapamasutso; Zviyo zvose zvachekwa, Takakohwa muminda; Jehovha wakatipa Zvose zvatinoshaya; Uyai kumba yake, Ngatimukurumbidze.
2
Tiri munda waMwari, Anotsvaka kwatiri Zviyo zvakanakisa Zvibve mumwoyo yedu; Mapumhuri nehura, Shure kwezvo zvoibva, Ishe tinoda kuva Zviyo zvakanakisa.
3
Nokuti Mwari wedu Achauya kucheka, Achapisa nomoto Sawi rose romunda; Achatuma kumunda Nhume dzake dzedenga Kuzoisa zvokudya Mudura rake guru.
4
Nazvino uyai She Kohwai zviyo zvenyu; Kukurai vatendi, Vabvisei muzvivi; Muvatsvenise chose Vave mudura renyu; Uyai nengirozi, Uyai, Ishe Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.