Hakuna zita seraJesu
Methodist Nziyo 48
1
Hakuna zita seraJesu Kana nekudenga, Hakuna rimwe rakadaro, Zita roM'ponisi.
Chorus
Tinoda kuimbira Jesu Tichimupa mbiri; Nokuti hatizive zita Rinokunda iri.
2
NdiJesu wakafira vose, Wakatida kwazvo; Zvatanga takaraswa tose Nezvitadzo zvedu.
3
NdiJesu wakaita nyasha Takamukanganwa; Wakati: 'Enda zvako mwana', Usazotadzazve.
4
NdiJesu wakatiudzira Kutunhidza Mwari, Nokusarura vashamwari Vakanaka chete.
5
NdiJesu wakarapa vanhu Akavasimbisa; Jesu wakadzosera vafi Kune hama dzavo.
6
NdiJesu anoenda nesu Kwose tinoenda; NdiJesu anotibatsira Muupenyu hwedu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.