Bhaibheri

Uyai Mese Mune Nyota

UMC Nziyo 116

1

Uyai mese mune nyota Mumoyo yenyu murarame, Mwari anopa zvinhu zvese Torayi zvino ruponeso.

2

Vatendi, muri kudaidzwa, Huyayi kuna Baba wenyu, Mupi wemvura inopona, Murege kuzotadza zveba.

3

Huyayi makasununguka, Mutore henyu hamutengi, Torai nyamusi ruponeso, Musatye, anomuda mese.

4

Huyayi tizogara nhaka YaBaba wedu wekudenga, Baba wevese ane zvese Zve kukovera vanomuda.

5

Jehova wedu wakanaka, Hakuna mumwe wakadaro; Ngatimutende, timukudze, Nekuti tinotongwa ndiye.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.