Bhaibheri

Uya Kuneni Mwana Washaisha

UMC Nziyo 117

1

Uya kuneni mwana washaisha Ndinokunyararidza nguva dzese, Watambudzika neurombo kwazvo Uya kuneni ndinokufarisa.

2

Imba izhinji kune denga iko. Dzagadzirirwa vanhu vakanaka, Wakafanira kugadzira kuenda, Huya kuneni, ndinokubatsira.

3

Vanhu vazhinji variko kudenga, Vakacheneswa, vakabarwa patsva, Asi vatsvene vanopinda chete, Huya kuneni, ndinokuchenesa.

4

Imba kumusoro dzakanaka kwazvo, Hakuna rufo neurombo, kwete, Huya kuneni, uchagara neni, Uve naBaba nekusingaperi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.