Uyai Hama Vadikani
UMC Nziyo 118
1
Uyai hama vadikani Pindukai kuna Jesu, Ndiye anomumirira Ane tsitsi kune vese.
Chorus
Ane simba ane simba Kuponesa vanyangadzi, Ane simba ane simba Kuponesa vanyangadzi.
2
Huyai, imi munoshaya, Jesu ane pfuma zhinji, Anodisa kupfumisa Vese avo vanoshaya.
3
Huyai, hama, torai zvino Ruponeso rwakanaka, Kuti muchigara nhasi, Zvimwe hamuchazouyi.
4
Musafunge muri kwavo, Huyai zvino makadaro, Siyai zvinhu zvenyu zvese, Jesu anomutambira.
5
Kuti muchiita izvi Hamuzovi neurombo; Denga rese rinorira Nekufara kwevatsvene.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.