Bhaibheri

Huya Hako Kuna Jesu

UMC Nziyo 119

1

Huya hako kuna Jesu Uri kudaidzwa ndiye, Tenda Muponesi wako Uitirwe nyasha ndiye.

Chorus

Rasa hasha dzako dzese Nekuti dzinotungamidza pasi, Uya kwaM'ponesi wako zvino Uitirwe nyasha ndiye.

2

Huya zvako kuna Jesu, Rega kundogara basi, Muka, huya kuna iye, Huya zvino pano kwa'ri.

3

Kumbirisa, unopiwa, Tsvakisisa, unowana, Kuti uchigugudzira Unozarurirwa ndiye.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.