Bhaibheri

Unoneta Here Hama

UMC Nziyo 120

1

Unoneta here hama unotambudzika Jesu wati ndinokupa ruzororo.

2

Anoramba kutambira vanouya here? Kwete, Jesu anodisa vanhu vese.

3

Ane chiwoneso here kuti ndimuziwe? Hunde, pamavoko ake nemakumbo.

4

Anozonditungamira kune denga here? Hunde, anondichengeta nzira dzese.

5

Kuti ndichimutevera ndinopihweyiko? Simba rekukunda Satani nguva dzese.

6

Kuti ndichimubatsira ndinowaneyiko? Mwoyo wakakomborerwa neupenyu.

7

Pakuguma kweupenyu ndinowaneyiko? Ndinogara nhaka naye kune denga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.