Bhaibheri

Ndipfuweyi Muponesi

UMC Nziyo 231

1

Ndipfuweyi Muponesi Ndipfuweyi misi yese, Apo ndinotambudzika Ndidaidze Tenzi wangu.

Chorus

Ndipfuweyi misi yese Ndipfuweyi misi yese, Ndibatsirwe kuti ndiuyevo Padyo padyo misi yese.

2

Padyo nemi, Muponesi, Mwoyo wangu unofadzwa, Tsitsi dzenyu dzinokwana Kuponesa vanhu vese.

3

Ndipfuweyi, Muponesi, Padyo nerutivi rwenyu, Madambudzo enyu ese Ngandianzwe nemi, Tenzi.

4

Ndichengetei, Muponesi, Kuti ndisazomusiya, Rudo rwenyu ngarupfuwe Mwoyo wangu nguva dzese.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.